5
Hakuna akarurama 
 1 “Kwirai nokudzika nemigwagwa yeJerusarema, 
tarirai pose pose mugofunga, 
tsvakai muzvivara zvaro muone 
kana mukawana kana munhu mumwe 
anoita zvakanaka uye anotsvaka zvokwadi, 
ipapo ndicharegerera guta iri. 
 2 Kunyange vachiti havo, ‘NaJehovha mupenyu,’ 
vanenge vachingopika nhema.” 
 3 Haiwa Jehovha, meso enyu haatsvaki chokwadi here? 
Makavarova, asi havana kunzwa kurwadziwa; 
Makavapwanya, asi vakaramba kurayirwa. 
Vakaomesa zviso zvavo kupfuura dombo 
uye vakaramba kutendeuka. 
 4 Ndakafunga ndikati, “Ava varombo bedzi; 
mapenzi, 
nokuti havazivi nzira yaJehovha, 
nezvinodikanwa naMwari wavo. 
 5 Naizvozvo ndichaenda kuvatungamiri 
ndigotaura navo; 
zvirokwazvo vanoziva nzira yaJehovha, 
zvinodiwa naMwari wavo.” 
Asi nomwoyo mumwe, naivowo vakanga vavhuna joko, 
vakadambura makashu. 
 6 Saka shumba inobva musango ichavauraya, 
bere rinobva mugwenga richavabvambura, 
ingwe ichavavandira pedyo 
namaguta avo kuti ibvamburanye vose vanobudamo, 
nokuti kundimukira kwavo kukuru 
uye kudzokera shure kwavo kwawanda. 
 7 “Ndingakukanganwirai seiko? 
Vana venyu vakandisiya, 
uye vakapika navamwari vasati vari vamwari. 
Ndakavapa zvose zvavaishayiwa, 
asi ivo vakaita ufeve 
vakandoungana kudzimba dzezvifeve. 
 8 Ivo mabhiza anodya achiguta azere ruchiva, 
mumwe nomumwe achidokwairira mukadzi womumwe. 
 9 Ko, handingavarangi nokuda kwaizvozvi here?” 
ndizvo zvinotaura Jehovha. 
“Ko, handingazvitsiviri 
here parudzi rwakadai? 
 10 “Endai nomuminda yavo yamazambiringa muiparadze, 
asi musaiparadza zvachose. 
Bvisai matavi awo, 
nokuti vanhu ava havasi vaJehovha. 
 11 Imba yaIsraeri neimba yaJudha 
vanga vasina kutendeka kwandiri zvachose,” 
ndizvo zvinotaura Jehovha. 
 12 Vakarevera Jehovha nhema, 
vachiti, “Haana chaachaita! 
Hakuna chakaipa chichaitika kwatiri; 
hatichazombooni hondo kana nzara. 
 13 Vaprofita vangova mhepo, 
uye shoko harimo mavari. 
Saka zvavanotaura ngazviitwe kwavari.” 
 14 Naizvozvo zvanzi naJehovha Mwari Wamasimba Ose: 
“Nokuti vanhu vakataura mashoko aya, 
ndichaita kuti mashoko angu 
ave moto mumuromo mako, 
uye vanhu ava kuti vave huni dzinopiswa nawo. 
 15 Haiwa imi imba yaIsraeri,” ndizvo zvinotaura Jehovha, 
“ndiri kuuyisa rudzi runobva kure kuzokurwisai, 
rudzi rwakare kare uye rudzi rwakashinga, 
vanhu vane rurimi rwamusinganzwi, 
vano mutauro wamusinganzwisisi. 
 16 Magoba avo akafanana neguva rakashama; 
vose zvavo varwi vane simba. 
 17 Vachadya zvamakakohwa nezvokudya zvenyu, 
vachauraya vanakomana navanasikana venyu; 
vachadya makwai enyu nemombe dzenyu, 
vachadya mazambiringa namaonde enyu. 
Vachaparadza nomunondo, 
maguta enyu akakomberedzwa iwo amunovimba nawo. 
 18 “Kunyange mumazuva iwayo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “handingakuparadzei zvachose.  19 Zvino kana vanhu vakabvunza kuti, ‘Ko, Jehovha Mwari wedu aitirei izvi kwatiri?’ imi muchavaudza kuti, ‘Sezvo makandisiya mukandoshumira vamwari vavatorwa munyika yenyu chaiyo, saizvozvowo zvino muchashandira vatorwa munyika isiri yenyu.’ 
 20 “Zivisai izvi kuimba yaJakobho 
mugozviparidza maJudha muchiti: 
 21 Inzwai izvi imi mapenzi navanhu vasina pfungwa, 
vane meso, asi vasingaoni, 
vane nzeve, asi vasinganzwi: 
 22 Ko, hamufaniri kunditya here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. 
“Ko, hamufaniri kudedera pamberi pangu here? 
Ndakaita jecha kuti rive muganhu wegungwa, 
muganhu warisingadariki nokusingaperi. 
Mafungu angafashama, asi haangakundi; 
angavirima asi haangaudariki. 
 23 Asi vanhu ava vane mwoyo yakasindimara uye inondimukira; 
vakatsauka vakaenda kure. 
 24 Havati mumwoyo yavo, 
‘Ngatityei Jehovha Mwari wedu, 
anotipa mvura yaMatsutso neyoMunakamwe nenguva yayo, 
anotitsidzira mavhiki akatarwa okukohwa.’ 
 25 Zvakaipa zvenyu zvakadzingira izvi kure; 
zvivi zvenyu zvakadzivisa kuti zvinhu zvakanaka zviuye kwamuri. 
 26 “Pakati pavanhu vangu pane vanhu vakaipa 
vanovandira kufanana savanhu vanoteya shiri nougombe 
uye savaya vanoisa misungo yokubata vanhu. 
 27 Sedendere rizere neshiri, 
dzimba dzavo dzizere nokunyengera; 
vapfuma uye vava nesimba, 
 28 uye vafuta uye vobwinya. 
Zvakaipa zvavo hazvina magumo, 
havatambi mhaka dzenherera kuti vakunde, 
havadziviriri kodzero dzavarombo. 
 29 Ko, handifaniri kuvaranga pane izvi here?” 
ndizvo zvinotaura Jehovha. 
“Ko, handingazvitsiviri here 
parudzi rwakadai? 
 30 “Chinhu chinosemesa uye chinovhundutsa 
chaitika panyika. 
 31 Vaprofita vanoprofita nhema, 
vaprista vanotonga nesimba ravo 
uye vanhu vangu vanofarira izvozvo. 
Asi muchaiteiko pakupedzisira?