47
Chirevo pamusoro pavaFiristia 
 1 Iri ndiro shoko raJehovha rakasvika kumuprofita Jeremia pamusoro pavaFiristia, Faro asati arwisa Gaza: 
 2 Zvanzi naJehovha: 
“Onai kukwira kunoita mvura zhinji yokumusoro; 
ivo vachava rwizi runofashukira nesimba. 
Vachafukidza nyika nezvose zviri mairi, 
maguta navose vanogaramo. 
Vanhu vachachema; 
vose vanogara munyika vachaungudza 
 3 pavachanzwa mutsindo wemahwanda emabhiza, 
kutinhira kwengoro dzavavengi, 
nokurira kwemavhiri adzo. 
Madzibaba haangadzoki kuzobatsira vana vavo; 
maoko avo acharembera seakaremara. 
 4 Nokuti zuva rasvika 
rokuparadza vaFiristia vose, 
uye nokuuraya vose vakasara 
vaigona kubatsira Tire neSidhoni. 
Jehovha ava pedyo nokuparadza vaFiristia, 
vaya vakasara vanobva kumahombekombe eKafitori. 
 5 Gaza richaveura musoro waro mukuchema; 
Ashikeroni richati mwiro. 
Haiwa, imi vakasara vari pabani, 
muchapedza nguva yakadiiko muchizvicheka? 
 6 “Muchachema muchiti, ‘Maiwe, munondo waJehovha, 
uchapedza nguva yakadiiko usati wazorora? 
Dzokera mumuhara wako; 
mira, unyarare.’ 
 7 Asi ungazorora sei, 
Jehovha akaurayira, 
sezvo akaurayira 
kuti urwise Ashikeroni namahombekombe?”