Pisarema 8
Kumutungamiri wokuimba negititi. Pisarema raDhavhidhi. 
 1 Haiwa Jehovha, Ishe wedu, 
zita renyu rakaisvonaka sei panyika yose! 
Makaisa kubwinya kwenyu 
kudenga kumusoro. 
 2 Pamiromo yavana navacheche 
makaisa rumbidzo 
nokuda kwavavengi venyu, 
kuti munyaradze muvengi nomutsivi. 
 3 Kana ndichifunga nezvamatenga enyu, 
iro basa reminwe yenyu, 
mwedzi nenyeredzi, 
zvamakarongedza panzvimbo yazvo, 
 4 munhu chiiko zvamunomufunga, 
kana mwanakomana womunhu zvamune hanya naye? 
 5 Makamuita muduku zvishoma pana Mwari, 
uye mukamushongedza korona yokubwinya nokukudzwa. 
 6 Makamuita mutongi pamusoro pebasa ramaoko enyu; 
mukaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake: 
 7 makwai ose nemombe, 
nemhuka dzesango, 
 8 neshiri dzedenga, 
nehove dzegungwa, 
zvose zvinofamba munzira dzomugungwa. 
 9 Haiwa Jehovha, Ishe wedu, 
zita renyu rakaisvonaka sei panyika yose!