Pisarema 34
Pisarema raDhavhidhi. Paakaita seanopenga pamberi paAbhimereki; uyo akamudzinga, iye akaenda hake. 
 1 Ndinorumbidza Jehovha nguva dzose; 
kurumbidzwa kwake kucharamba kuri pamiromo yangu. 
 2 Mwoyo wangu uchazvirumbidza muna Jehovha; 
vanotambudzika ngavanzwe vafare. 
 3 Kudzai Jehovha pamwe chete neni; 
ngatikudzei zita rake pamwe chete. 
 4 Ndakachema kuna Jehovha akandipindura; 
akandisunungura pakutya kwangu kwose. 
 5 Vanotarira kwaari vanopenya; 
zviso zvavo hazvingambofukidzwi nenyadzi. 
 6 Murombo uyu akadana, uye Jehovha akamunzwa; 
akamuponesa pakutambudzika kwake kwose. 
 7 Mutumwa waJehovha anokomberedza avo vanomutya, 
uye anovasunungura. 
 8 Ravirai henyu muone kuti Jehovha akanaka; 
akaropafadzwa munhu anovanda maari. 
 9 Ityai Jehovha, imi vatsvene vake, 
nokuti vanomutya havana chavanoshayiwa. 
 10 Shumba dzinopera simba uye dzinofa nenzara, 
asi avo vanotsvaka Jehovha havashayiwi chinhu chakanaka. 
 11 Uyai, vana vangu, nditeererei; 
ndichakudzidzisai kutya Jehovha. 
 12 Ani naani wenyu anoda upenyu, 
uye uchida kuona mazuva akawanda, 
 13 dzora rurimi rwako pane zvakaipa 
nemiromo yako pakureva nhema. 
 14 Ibva pane zvakaipa ugoita zvakanaka; 
tsvaka rugare uye urutevere. 
 15 Meso aJehovha ari pamusoro pavakarurama 
uye nzeve dzake dzinonzwa kuchema kwavo; 
 16 chiso chaJehovha chinovenga avo vanoita zvakaipa, 
kuti abvise chiyeuchidzo chavo panyika. 
 17 Vakarurama vanodanidzira, uye Jehovha anovanzwa; 
anovarwira pakutambudzika kwavo kwose. 
 18 Jehovha ari pedyo navane mwoyo yakaputsika 
uye anoponesa avo vakapwanyika pamweya. 
 19 Akarurama angava namatambudziko mazhinji, 
asi Jehovha anomurwira paari ose; 
 20 anochengetedza mapfupa ake ose, 
hakuna nerimwe rawo richavhunika. 
 21 Zvakaipa zvichauraya vakaipa; 
vavengi vavakarurama vachapiwa mhosva. 
 22 Jehovha anodzikinura varanda vake; 
hapana kana mumwe anovanda maari achapiwa mhosva.