Pisarema 48
Rwiyo. Pisarema raVanakomana vaKora. 
 1 Jehovha mukuru, uye anofanira kurumbidzwa kwazvo, 
muguta raMwari wedu, mugomo rake dzvene. 
 2 Rakanaka pakukwirira kwaro, mufaro wenyika yose. 
Sokumusoro-soro kweZafoni, 
ndizvo zvakaita Gomo reZioni, 
guta raMambo Mukuru. 
 3 Mwari ari munhare dzaro; 
akazviratidza kwariri kuti ndiye nharirire yaro. 
 4 Madzimambo akati abatanidza mauto, 
vakati vafamba pamwe chete kundorwa, 
 5 vakariona vakashamiswa; 
vakatiza nokutya. 
 6 Vakabatwa nokudedera ipapo, 
nokurwadziwa sekwomukadzi osununguka. 
 7 Makavaparadza sezvakaitwa zvikepe zveTashishi, 
zvakaputswa-putswa nemhepo yokumabvazuva. 
 8 Sezvatakanzwa, ndizvo zvataona, 
muguta raJehovha Wamasimba Ose, 
muguta raMwari wedu: 
Mwari anorisimbisa nokusingaperi. 
Sera 
  9 Tiri mukati metemberi yenyu, imi Mwari, 
tinofungisisa nezvorudo rwenyu rusingaperi. 
 10 Sezvakaita zita renyu, imi Mwari, 
kurumbidzwa kwenyu kunosvika kumagumo enyika; 
ruoko rwenyu rworudyi ruzere nokururama. 
 11 Gomo reZioni rinofarisisa, 
misha yeJudha inofara 
nokuda kwokutonga kwenyu. 
 12 Famba-fambai muZioni, ripoteredzei, 
verengai shongwe dzaro, 
 13 fungisisai zvakanaka nezvamasvingo aro, 
cherechedzai nhare dzaro, 
kuti mugotaura nezvazvo kuchizvarwa chinotevera. 
 14 Nokuti Mwari uyu ndiye Mwari wedu nokusingaperi-peri; 
iye achava muperekedzi wedu kusvikira kumagumo.