Pisarema 67
Kumutungamiri wokuimba nemitengeranwa ine hungiso. Pisarema. Rwiyo. 
 1 Mwari ngaatinzwire tsitsi atiropafadze, 
uye apenyese chiso chake pamusoro pedu, 
Sera 
  2 kuti nzira dzenyu dzizivikanwe panyika, 
ruponeso rwenyu pakati pendudzi dzose. 
 3 Marudzi ngaakurumbidzei, imi Mwari; 
marudzi ose ngaakurumbidzei. 
 4 Ndudzi ngadzifare uye dziimbe nomufaro, 
nokuti munotonga marudzi nokururamisira, 
uye munotungamirira ndudzi dzenyika. 
Sera 
  5 Marudzi ngaakurumbidzei, imi Mwari; 
marudzi ose ngaakurumbidzei. 
 6 Ipapo nyika ichabereka mukohwo wayo, 
uye Mwari, Mwari wedu, achatiropafadza. 
 7 Mwari achatiropafadza, 
uye migumo yose yepasi ichamutya.