Pisarema 95
 1 Uyai, tiimbire Jehovha nomufaro; 
ngatidanidzirei kuDombo roruponeso rwedu. 
 2 Ngatisvikei pamberi pake nokuvonga 
uye timukudze nenziyo. 
 3 Nokuti Jehovha ndiye Mwari mukuru, 
Mambo mukuru pamusoro pavamwari vose. 
 4 Nzvimbo dzakadzika dzapanyika dziri muruoko rwake, 
uye misoro yamakomo ndeyake. 
 5 Gungwa nderake, nokuti ndiye akariita, 
uye maoko ake akaumba nyika yakaoma. 
 6 Uyai tikotame, tinamate, 
ngatipfugamei pamberi paJehovha Muiti wedu; 
 7 nokuti ndiye Mwari wedu, 
uye isu tiri vanhu vanofudzwa naye, 
makwai anochengetwa naye. 
Nhasi kana muchinzwa inzwi rake, 
 8 musaomesa mwoyo yenyu sezvamakaita paMeribha, 
sezvamakaita pazuva riya paMasa mugwenga, 
 9 pandakaedzwa namadzibaba enyu 
kunyange vakanga vaona zvandakanga ndaita. 
 10 Ndakatsamwira rudzi urwu kwamakore makumi mana; 
ndakati, “Ava vanhu vane mwoyo yakatsauka, 
uye havana kuziva nzira dzangu.” 
 11 Saka ndakapika pakutsamwa kwangu ndikati, 
“Havangazombopindi pazororo rangu.”