Pisarema 125
Rwiyo rworwendo. 
 1 Vanovimba naJehovha vakafanana neGomo reZioni, 
risingazungunuswi asi rinogara nokusingaperi. 
 2 Sokupoteredzwa kwakaitwa Jerusarema namakomo, 
saizvozvo Jehovha anopoteredza vanhu vake 
kubva zvino nokusingaperi. 
 3 Tsvimbo yavasakarurama haingagari 
pamusoro penyika yakagoverwa vakarurama, 
nokuti ipapo vakarurama vangazotambanudzira 
maoko avo kuita zvakaipa. 
 4 Haiwa Jehovha, itirai zvakanaka, kuna avo vakanaka, 
kuna avo vane mwoyo yakarurama. 
 5 Asi avo vanotsaukira kunzira dzakaminama, 
Jehovha achavaparadza pamwe chete navaiti vezvakaipa. 
Rugare ngaruve pana Israeri.