Pisarema 138
Pisarema raDhavhidhi. 
 1 Ndichakurumbidzai, imi Jehovha, nomwoyo wangu wose; 
ndichaimba nziyo dzokukurumbidzai pamberi pa“vamwari.” 
 2 Ndichakotamira pasi ndakatarisa kutemberi yenyu tsvene, 
uye ndicharumbidza zita renyu 
nokuda kworudo rwenyu nokutendeka kwenyu, 
nokuti makakudza zita renyu 
neshoko renyu pamusoro pezvinhu zvose. 
 3 Pandakadana, imi makandipindura; 
makandishingisa nomwoyo wakasimba. 
 4 Madzimambo ose enyika ngaakurumbidzei, imi Jehovha, 
pavanonzwa mashoko omuromo wenyu. 
 5 Ngavaimbe pamusoro penzira dzaJehovha, nokuti kubwinya kwaJehovha kukuru. 
 6 Kunyange Jehovha ari kumusoro, anoona vanozvininipisa, 
asi vanozvikudza anovaziva vari kure. 
 7 Kunyange ndikafamba pakati penhamo, 
munochengetedza upenyu hwangu; 
munotambanudza ruoko rwenyu pamusoro pehasha dzavavengi vangu, 
munondiponesa noruoko rwenyu rworudyi. 
 8 Jehovha achazadzisa zvirongwa zvake neni; 
rudo rwenyu, imi Jehovha, runogara nokusingaperi, 
musasiya mabasa amaoko enyu.