10
 1 Israeri akanga ari muzambiringa unotanda; 
akazviberekera zvibereko. 
Zvibereko zvake pazvakawanda, 
akavakawo aritari dzakawanda; 
nyika yake payakabudirira, 
akashongedzawo matombo ake anoera. 
 2 Mwoyo wavo unonyengera, 
uye zvino vanofanira kutakura mhosva yavo. 
Jehovha achaputsa aritari dzavo 
uye achaparadza matombo avo akaereswa. 
 3 Ipapo vachati, “Hatina mambo 
nokuti hatina kukudza Jehovha. 
Asi kunyange taiva namambo, 
angadai akatiitireiko?” 
 4 Vanovimbisa zvakawanda, 
vanoita mhiko dzenhema 
uye vanoita zvibvumirano; 
naizvozvo mhosva dzinoendeswa kudare 
dzinomera sebise rinouraya mumunda wakarimwa. 
 5 Vanhu vanogara muSamaria vanotyira 
chifananidzo chemhuru chaBheti Avheni. 
Vanhu vacho vachachichema, 
ndizvo zvichaitawo vaprista vanonamata chifananidzo chacho; 
ivavo vakafarira kukudzwa kwacho, 
nokuti vachachitorerwa chigoendeswa kuutapwa. 
 6 Chichatakurwa chigoendeswa kuAsiria 
somutero kuna mambo mukuru. 
Efuremu achanyadziswa; 
Israeri achanyarawo nokuda kwezvifananidzo zvakavezwa. 
 7 Samaria namambo wayo ichaeredzwa 
sechimuti pamusoro pemvura. 
 8 Nzvimbo dzakakwirira dzouipi dzichaparadzwa, 
ichi ndicho chivi chaIsraeri. 
Minzwa norukato zvichamera 
zvigofukidza aritari dzavo. 
Ipapo vachati kumakomo, “Tifukidzei!” 
nokuzvikomo, “Wirai pamusoro pedu!” 
 9 “Kubva pamazuva eGibhea, wakatadza, iwe Israeri, 
uye ukarambirapo. 
Hondo haina kukunda 
vaiti vezvakaipa paGibhea here? 
 10 Nenguva yandinoda ndichavaranga; 
ndudzi dzichaungana kuti dzivarwise 
dzivaise muusungwa nokuda kwezvivi zvavo zviviri. 
 11 Efuremu itsiru rakapingudzwa 
rinofarira kupura; 
saka ndichaisa joko 
pamutsipa waro wakanaka. 
Ndichatinha Efuremu, 
Judha anofanira kurima, 
uye Jakobho anofanira kuputsa mavhinga acho. 
 12 Zvidyarirei kururama, 
kohwai chibereko chorudo rusingaperi, 
mugorima gombo renyu; 
nokuti inguva yokutsvaka Jehovha, 
kusvikira auya 
kuzonayisa utsvene pamusoro penyu. 
 13 Asi makarima uipi, 
mukacheka zvakaipa, 
makadya zvibereko zvounyengeri, 
nokuti makavimba nesimba renyu 
uye navarwi venyu vakawanda, 
 14 kuomba kwehondo kuchamukira vanhu venyu, 
zvokuti masvingo enyu ose achaparadzwa, 
sokuparadzwa kwakaitwa Bheti Aribheri neSharimani pazuva rokurwa, 
vanamai pavakapanhirwa pasi pamwe chete navana vavo. 
 15 Ndizvo zvichaitika kwauri, iwe Bheteri, 
nokuti uipi hwako hukuru. 
Kana zuva iroro roswedera, 
mambo weIsraeri achaparadzwa zvachose.