14
Kutendeuka kunouyisa Maropafadzo 
 1 Iwe Israeri, dzokera kuna Jehovha Mwari wako. 
Zvivi zvako ndizvo zvakauyisa kuwa kwako! 
 2 Endai namashoko 
uye mudzokere kuna Jehovha. 
Muti kwaari: “Regererai zvivi zvedu zvose 
mutigamuchire nenyasha, 
kuti tigopa zvibereko zvemiromo yedu. 
 3 Asiria haingatiponesi; 
hatingatasvi mabhiza ehondo. 
Hatizombotizve, ‘Vamwari vedu’ 
kune zvakagadzirwa namaoko edu chaiwo, 
nokuti nherera dzinowana tsitsi mamuri.” 
 4 “Ndichaporesa kusateerera kwavo 
uye ndichangovada hangu, 
nokuti hasha dzangu dzabva kwavari. 
 5 Ndichava sedova kuna Israeri; 
achatunga seruva remahapa. 
Somusidhari weRebhanoni 
achadzikisa midzi yake; 
 6 mabukira ake achakura. 
Kunaka kwake kuchafanana nekwomuti womuorivhi, 
kunhuhwira kwake sekwomusidhari weRebhanoni. 
 7 Vanhu vachagarazve mumumvuri wake. 
Achabudirira sezviyo. 
Achatunga maruva somuzambiringa, 
uye mbiri yake ichafanana newaini yeRebhanoni. 
 8 Nhai Efuremu, ndichineiko chokuita nezvifananidzo? 
Ndichamupindura uye ndichamuchengeta. 
Ndakafanana nomuti womupaini wakasvibira; 
kubereka kwako kunobva kwandiri.” 
 9 Ndiani akachenjera? Achacherechedza zvinhu izvi. 
Ndiani anonzvera? Achazvinzwisisa. 
Nzira dzaJehovha dzakarurama; 
vakarurama vanofamba madziri, 
asi vatadzi vanogumburwa madziri.