3
Ninevhe rine nhamo 
 1 Rine nhamo guta reropa, 
rizere nenhema, 
rizere nezvakapambwa, 
harigari risina varinotambudza! 
 2 Kurira kwetyava, 
utsvikitsviki hwamavhiri, 
mutsindo wamabhiza 
nomubvumo wokutinhira kwengoro! 
 3 Kumhanya kwavatasvi vamabhiza, 
kupenya kweminondo 
namapfumo anovaima! 
Vazhinji vakaurayiwa, 
mirwi yevakafa, 
mitumbi isingaverengeki, 
vanhu vachigumburwa nezvitunha. 
 4 Zvose izvi nokuda kwokuchiva kuzhinji kwechifeve, 
chinokwezvera, mukuru wouroyi, 
akatapa ndudzi noufeve hwake 
namarudzi avanhu nouroyi hwake. 
 5 “Ndine mhaka newe,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. 
Ndichafukura nguo yako ifukidze chiso chako 
“Ndicharatidza ndudzi kushama kwako 
namadzimambo kunyadziswa kwako. 
 6 Ndichakukandidzira tsvina, 
ndichakuita akazvidzika 
uye ndichakuita chiseko. 
 7 Vose vachakuona vachakutiza uye vachati, 
‘Ninevhe raparara, ndiani acharichema?’ 
Ndingawana kupi munhu angakunyaradza?” 
 8 Uri nani kupfuura Tebhesi here, 
rakavakwa paNairi, 
rakakomberedzwa nemvura? 
Rwizi ndirwo rwairidzivirira, 
mvura iri rusvingo rwaro. 
 9 Etiopia neIjipiti ndizvo zvaiva simba rayo guru; 
Puti neRibhiya dzaiva pakati pavabatsiri vayo. 
 10 Kunyange zvakadaro yakatapwa 
ikaendeswa kuutapwa. 
Vacheche varo vakaputsanyiwa 
kumavambo kwemigwagwa yose. 
Mijenya yakakandwa pamusoro pemachinda avo, 
uye vakuru vavo vakasungwa nengetani. 
 11 Newewo uchadhakwa; 
uchavanda 
ugotsvaka utiziro kubva kumuvengi wako. 
 12 Nhare dzako dzose dzafanana nemiti yemionde 
ine michero yokutanga yaibva; 
paanozunzwa, 
maonde anodonhera mumuromo momudyi. 
 13 Tarira mauto ako, 
vose vakadzi! 
Masuo enyika yako 
akazarurirwa kuvavengi vako; 
moto waparadza mazariro awo. 
 14 Cherai mvura kuitira kukombwa, 
simbisai nhare dzenyu! 
Gadzirai ivhu, 
kanyai dhaka, 
mugadzire zvidhina zvenyu! 
 15 Moto uchakuparadzai imomo; 
munondo uchakuurayai, 
uye uchakuparadzai semhashu. 
Berekanai semhashu, 
muberekane sehwiza! 
 16 Makawedzera uwandu hwavatengesi venyu 
kusvikira vapfuura nyeredzi dzedenga kuwanda. 
Asi sehwiza, vanoparadza nyika 
vobhururuka vachienda. 
 17 Varindi venyu vakaita sehwiza, 
machinda enyu segundamusaira rehwiza 
dzinomhara pamadziro musi wakunotonhora, 
asi kana zuva rabuda dzinobhururuka dzichienda, 
uye hapana anoziva kuti kupi. 
 18 Iwe mambo weAsiria, vafudzi vako vanotsumwaira; 
machinda ako anorara pasi kuti azorore. 
Vanhu vako vakapararira pamusoro pamakomo 
pasina angavaunganidza. 
 19 Hapana chingarapa ronda rako; 
kukuvara kwako kuchakuuraya. 
Mumwe nomumwe anonzwa nezveguhu rako 
anorova maoko ake pakuwa kwako, 
nokuti ndianiko asina kunzwa 
utsinye hwako husina magumo?