2
Kunaka kwoUchenjeri 
 1 Mwanakomana wangu, kana ukagamuchira mashoko angu, 
ukachengeta mirayiro yangu mauri, 
 2 ukarerekera nzeve yako kuuchenjeri 
uye ukaisa mwoyo wako pakunzwisisa, 
 3 uye kana ukadanidzira kuti uwanze njere 
uye ukadanidzira nenzwi guru kuti uwane kunzwisisa, 
 4 uye kana ukahutsvaka sounotsvaka sirivha 
nokuhutsvaka sounotsvaka pfuma yakavanzwa, 
 5 ipapo uchanzwisisa kutya Jehovha 
uye uchawana ruzivo rwaMwari. 
 6 Nokuti Jehovha anopa uchenjeri, 
uye mumuromo make munobuda zivo nokunzwisisa. 
 7 Anochengetera vakarurama kukunda, 
iye ndiye nhoo kuna avo vane mufambiro usina chaunopomerwa, 
 8 nokuti anochengetedza nzira yavakarurama, 
uye anodzivirira nzira yavakatendeka vake. 
 9 Ipapo uchanzwisisa zvakarurama, 
kururamisira nokuenzanisira nzira dzose dzakanaka. 
 10 Nokuti uchenjeri huchapinda mumwoyo mako, 
uye ruzivo ruchafadza mweya wako. 
 11 Kungwara kuchakuchengetedza, 
uye kunzwisisa kuchakurinda. 
 12 Uchenjeri huchakuponesa panzira dzavanhu vakaipa, 
vanhu vane mashoko asakarurama, 
 13 vanosiya nzira yakarurama 
kuti vafambe munzira dzerima, 
 14 vanofarira kuita zvakaipa 
uye vanofarira kusarurama kwezvakaipa, 
 15 vane nzira dzakaminama 
uye vanonyengera pamaitiro avo. 
 16 Zvichakuponesazve pamukadzi chifeve, 
kubva pamudzimai asingazvibati, anokwezva namashoko ake, 
 17 uyo akasiya murume woumhandara hwake 
uye akashaya hanya nesungano yaakaita pamberi paMwari. 
 18 Nokuti imba yake inoenda kurufu, 
uye nzira dzake kumweya yavakafa. 
 19 Hakuna anoenda kwaari achidzoka 
kana kuzowana nzira dzoupenyu. 
 20 Naizvozvo iwe uchafamba munzira dzavanhu vakanaka 
uye ucharamba uri munzira dzavakarurama. 
 21 Nokuti vakarurama vachagara munyika, 
uye vasina chavanopomerwa vacharamba vari mairi; 
 22 asi vakaipa vachaparadzwa panyika, 
uye vasina kutendeka vachabviswa pairi.