MAPISAREMA  
BHUKU 1 
 1
Mapisarema 1–41 
 1 Akaropafadzwa munhu 
asingafambi panorangana vakaipa, 
asingamiri panzira yavatadzi, 
asingagari pachigaro chavadadi. 
 2 Asi anofarira murayiro waJehovha, 
uye anofungisisa murayiro wake masikati nousiku. 
 3 Akafanana nomuti wakasimwa pahova dzemvura, 
unobereka michero yawo nenguva yawo, 
uye mashizha awo haasvavi. 
Chinhu chipi nechipi chaanoita chinoendeka. 
 4 Vakaipa havana kudaro! 
Vakafanana nehundi 
inopepereswa nemhepo. 
 5 Naizvozvo vakaipa havangamiri pakutongwa, 
kana vatadzi paungano yavakarurama. 
 6 Nokuti Jehovha anotarira nzira yavakarurama, 
asi nzira yavakaipa ichaparadzwa.