Pisarema 149
 1 Rumbidzai Jehovha. 
Imbirai Jehovha rwiyo rutsva, 
rumbidzo yake paungano yavatsvene. 
 2 Israeri ngavafarire Muiti wavo; 
vanhu veZioni ngavafarire Mambo wavo. 
 3 Ngavarumbidze zita rake vachitamba, 
uye vamuridzire nziyo namatambureni nembira. 
 4 Nokuti Jehovha anofarira vanhu vake; 
vanozvininipisa anovashongedza korona noruponeso. 
 5 Vatsvene ngavafare nokukudzwa kwake, 
uye vaimbe nomufaro vari pamibhedha yavo. 
 6 Kurumbidzwa kwaMwari ngakuve pamiromo yavo, 
nomunondo unocheka kwose, mumaoko avo, 
 7 kuti vatsive pamusoro pendudzi, 
uye varange marudzi avanhu, 
 8 vasunge madzimambo avo nengetani, 
namakurukota avo nezvisungo zvamatare, 
 9 kuti vaite zvavakatongwa nazvo, 
zvakanyorwa pamusoro pavo. 
Ndiko kukudzwa kwavatsvene vose. 
Rumbidzai Jehovha.