RWIYO RUKURU RWASOROMONI  
 1
 1 Rwiyo Rukuru rwaSoromoni: 
Mukadzi 
 2 Ngaanditsvode hake nokutsvoda kwomuromo wake. 
Nokuti rudo rwako runofadza kupfuura waini. 
 3 Kunhuhwirira kwamafuta enyu kunofadza; 
zita renyu rakafanana namafuta anonhuwirira adururwa. 
Hazvishamisi kuti mhandara dzinokudai! 
 4 Nditorei muende neni, ngatikurumidzei. 
Mambo ngaandipinze mudzimba dzake dzomukati. 
Shamwari 
Tinokupembererai uye tinokufarirai; 
ticharumbidza rudo rwenyu kupfuura waini. 
Mukadzi 
Regai zvenyu mhandara dzikudei! 
 5 Kusviba ndakasviba zvangu, asi ndakanaka hangu, 
vanasikana veJerusarema, 
ndakasviba samatende eKedhari, 
sezvidzitiro zvetende raSoromoni. 
 6 Musanditarisisa nokuda kwoutema hwangu, 
nokuti ndakasvibiswa nezuva. 
Vanakomana vamai vangu vakanditsamwira 
vakandiita kuti ndichengete minda yemizambiringa; 
munda wangu chaiwo wemizambiringa ndakaushayira nguva. 
 7 Ndiudze, iwe mudiwa wangu, kwaunofudzira makwai ako 
nokwaunozorodzera makwai ako masikati. 
Ko, ndichaitirei somukadzi akafukidza chiso chake 
pedyo namakwai eshamwari dzako? 
Shamwari 
 8 Kana usingazivi, iwe mukadzi akanaka kukunda vamwe, 
chitevera makwara amakwai 
ugondofudzira mbudzana dzako 
pedyo namatende avafudzi. 
Murume 
 9 Ndinokufananidza, iwe mudiwa wangu, nebhiza rakasungwa 
pane imwe yengoro dzaFaro. 
 10 Matama ako akashongedzwa zvakanaka nemhete, 
mutsipa wako nezvuma zvamatombo anokosha. 
 11 Tichakugadzirira mhete 
dzenzeve dzegoridhe nesirivha. 
Mukadzi 
 12 Mambo paakanga agere patafura yake, 
munhuwi wamafuta andainge ndazora wakapararira. 
 13 Mudiwa wangu, kwandiri akaita sakahomwe kemura 
kanogara pakati pamazamu angu. 
 14 Mudiwa wangu, kwandiri akaita sesumbu ramaruva machena 
anobva mubindu remizambiringa yeEni Gedhi. 
Murume 
 15 Kunaka here kwawakaita uku, mudiwa wangu! 
A-a, wakazonaka! 
Meso ako injiva chaidzo! 
Mukadzi 
 16 Wakanaka sei, mudiwa wangu! 
A-a, unofadza! 
Uye mubhedha wedu wakasvibira. 
Murume 
 17 Nhungo dzeimba yedu ndedzomusidhari; 
mbariro dzacho ndedzomupaini.