8
 1 Dai chete wakanga uri sehanzvadzi kwandiri, 
akanwa pamazamu amai vangu! 
Ipapo kana ndaikuwana panze, 
ndaikutsvoda 
uye hapana aizondishora. 
 2 Ndaizokutora ndouya newe 
kumba kwamai vangu, 
ivo vakandidzidzisa. 
Ndaikupa waini yakaiswa zvinonhuhwira kuti unwe, 
nomukume wemitamba yangu. 
 3 Ruoko rwake rworuboshwe rwuri pasi pomusoro wangu, 
uye ruoko rwake rworudyi rwakandimbundikira. 
 4 Imi vanasikana veJerusarema ndinokurayirai: 
Musazunguza kana kumutsa rudo 
kusvikira irwo rwada rwoga. 
Shamwari 
 5 Ndianiko uyo ari kuuya achibva kurenje 
akazendamira pamudiwa wake? 
Mukadzi 
Pasi pomuti womuapuro ndakakumutsa; 
ipapo mai vako vakakubereka, 
ipapo ivo vairwadziwa vakakubereka. 
 6 Ndiise pamwoyo pako sechisimbiso, 
sechisimbiso paruoko rwako; 
nokuti rudo rwakasimba sorufu, 
godo rarwo seguva harishanduki. 
Runopisa serimi romoto, 
somurazvo mukuru kwazvo. 
 7 Mvura zhinji haigoni kudzima rudo; 
nzizi hadzigoni kurukukura. 
Kunyange munhu akapa 
pfuma yose yemba yake kuti awane rudo, 
zvingazvidzwa chose. 
Shamwari 
 8 Tine hanzvadzi yedu duku 
uye mazamu ake haasati akura. 
Tichaitireiko hanzvadzi yedu 
pazuva rokukumbirwa kwayo kuti iwanikwe? 
 9 Kana ari rusvingo, 
tichavaka shongwe dzesirivha paari. 
Kana ari musuo, 
tichamukomberedza namapuranga omusidhari. 
Mukadzi 
 10 Ndiri rusvingo, 
mazamu angu akaita seshongwe. 
Ndizvo zvandava pamberi pake, 
somunhu anouyisa kugutsikana. 
 11 Soromoni aiva nomunda wemizambiringa muBhaari Hamoni; 
akapa munda wake wemizambiringa kuvanhu vairima vachimuripira. 
Mumwe nomumwe wavo pachibereko chawo 
aiuya namashekeri chiuru* 8:11 makirogiramu angaita 11.5  esirivha. 
 12 Asi munda wangu wemizambiringa ndewangu kuti ndiupe; 
chiuru chamashekeri esirivha ndechako, iwe Soromoni, 
asi mazana maviri† 8:12 makirogiramu angaita 2.3 ndeevanochengeta michero yawo. 
Murume 
 13 Iwe unogara mumapindu 
unoshandirwa neshamwari, 
rega ndinzwe inzwi rako! 
Mukadzi 
 14 Handei mudiwa wangu, 
uite semhara kana setsvana 
pamusoro pamakomo 
azere zvinonhuhwira.