13
Kushambidzwa paZvivi 
 1 “Pazuva iro imba yaDhavhidhi navagari vomuJerusarema, vachadziurirwa chitubu kuti vanatswe kubva pachivi nokusachena. 
 2 “Pazuva iro, ndichabvisa mazita ezvifananidzo panyika, uye haangazorangarirwizve,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose! “Ndichabvisa zvose vaprofita nemweya wokusachena panyika.  3 Uye kana pana ani zvake acharamba achiprofita, baba vake namai vake vakamubereka, vachati kwaari, ‘Unofanira kufa, nokuti wakareva nhema muzita raJehovha.’ Paachaprofita, vabereki vake vachamubaya. 
 4 “Pazuva iro muprofita mumwe nomumwe achanyara nokuda kwechiratidzo chechiprofita chake. Haangazopfeki nguo yemvere yomuprofita kuti anyengere.  5 Achati, ‘Handisi muprofita. Ndiri murimi; ivhu ndiwo upenyu hwangu kubva pauduku hwangu.’  6 Kana mumwe munhu akamubvunza achiti, ‘Maronda aya ari pamuviri wako ndeeiko?’ achapindura achiti, ‘Maronda andakakuvadzwa paimba yeshamwari dzangu.’ 
Mufudzi arohwa, makwai akapararira 
 7 “Muka, iwe munondo, urwise mufudzi, 
urwise munhu ari pedyo neni!” 
ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. 
“Rova mufudzi, makwai agopararira, 
uye ndichasimudza ruoko rwangu 
kuti rurwise madiki acho. 
 8 Munyika yose,” ndizvo zvinotaura Jehovha, 
“zvikamu zviviri muzvitatu zvichaurayiwa zvigoparara; 
asi chikamu chimwe chete muzvitatu ndicho chichasaramo. 
 9 Chikamu chimwe chete ichochi muzvitatu ndichachiisa mumoto; 
ndichavanatsa sesirivha 
uye ndichavaedza segoridhe. 
Vachadana kuzita rangu 
uye ndichavapindura; 
ndichati, ‘Ndivo vanhu vangu.’ 
Uye ivo vachati, ‘Jehovha ndiye Mwari wedu.’ ”