Pisarema 4
Kumutungamiri wenziyo nemitengeranwa. Pisarema raDhavhidhi. 
 1 Ndipindurei pandinodana kwamuri, 
imi Mwari wangu makarurama. 
Ndisunungurei pakutambudzika kwangu; 
ndinzwirei ngoni uye munzwe munyengetero wangu. 
 2 Nhai imi vanhu, muchashandura kukudzwa kwangu kukava chinyadziso kusvikira riniko? 
Muchada kutsauswa nokutsvaka vamwari venhema kusvikira riniko? 
Sera 
  3 Zivai kuti Jehovha akazvitsaurira vanomuda; 
Jehovha achandinzwa pandinodana kwaari. 
 4 Pakutsamwa kwenyu, regai kutadza; 
pamunenge muri pamibhedha yenyu, 
nzverai mwoyo yenyu uye munyarare. 
Sera 
  5 Ipai zvibayiro zvakarurama 
uye muvimbe naJehovha. 
 6 Vazhinji vanobvunza vachiti, “Ndianiko angatiratidza chakanaka?” 
Chiedza chechiso chenyu ngachipenye pamusoro pedu, imi Jehovha. 
 7 Makazadza mwoyo wangu nomufaro mukuru 
kupfuura zviyo zvavo newaini yavo itsva yakawanda. 
 8 Ndichavata pasi ndigokotsira norugare, 
nokuti imi moga, Jehovha, 
munoita kuti ndigare pakasimba.