Pisarema 5
Kumutungamiri wokuimba. Nenyere. Pisarema raDhavhidhi. 
 1 Rerekerai nzeve yenyu kumashoko angu, imi Jehovha. 
Rangarirai chikumbiro changu. 
 2 Teererai inzwi rokuchema kwangu, 
Mambo wangu naMwari wangu, 
nokuti ndinonyengetera kwamuri. 
 3 Mangwanani, munonzwa inzwi rangu, imi Jehovha; 
mangwanani ndinoisa zvikumbiro zvangu pamberi penyu 
uye ndichimirira netariro. 
 4 Imi hamusi Mwari anofarira zvakaipa; 
munhu akaipa haangagari nemi. 
 5 Munhu anozvikudza haangamiri pamberi penyu; 
munovenga vose vanoita zvakaipa. 
 6 Munoparadza vose vanoreva nhema; 
vanoteura ropa navanhu vanonyengera, 
Jehovha anovasema. 
 7 Asi ini, nenyasha dzenyu huru, 
ndichapinda mumba menyu; 
norukudzo, ndichakotamira pasi pamberi penyu, 
ndakatarira kutemberi yenyu tsvene. 
 8 Nditungamirirei, imi Jehovha, 
mukururama kwenyu nokuda kwavavengi vangu, 
ruramisai nzira yenyu pamberi pangu. 
 9 Hakuna shoko rinobva mumuromo mavo ringavimbwa naro; 
mwoyo yavo izere nokuparadza. 
Huro dzavo iguva rakashama; 
vanotaura zvinonyengera norurimi rwavo. 
 10 Haiwa Mwari, vapei mhosva! 
Ngavawisirwe pasi nerangano dzavo. 
Vabvisei nokuda kwezvivi zvavo zvizhinji, 
nokuti vakakumukirai. 
 11 Asi vose vanovanda mamuri ngavafare; 
ngavagare vachiimba nomufaro. 
Tambanudzirai pamusoro pavo kudzivirira kwenyu, 
kuitira kuti vaya vanoda zita renyu vafare mamuri. 
 12 Nokuti zvirokwazvo, imi Jehovha, munoropafadza vakarurama; 
munovakomberedza nenyasha dzenyu sokunge nenhoo.