Pisarema 23
Pisarema raDhavhidhi. 
 1 Jehovha ndiye mufudzi wangu, hapana chandingashayiwa. 
 2 Anondivatisa pamafuro manyoro, 
anondisesedza pamvura inozorodza, 
 3 anoponesa mweya wangu. 
Anondifambisa panzira dzokururama 
nokuda kwezita rake. 
 4 Kunyange ndikafamba nomumupata womumvuri worufu, 
handingatyi zvakaipa, 
nokuti imi muneni; 
tsvimbo yenyu nomudonzvo 
wenyu zvinondinyaradza. 
 5 Munondigadzirira tafura 
pamberi pavavengi vangu. 
Munozodza musoro wangu namafuta; 
mukombe wangu unopfachukira. 
 6 Zvirokwazvo kunaka kwenyu norudo rwenyu zvichanditevera, 
mazuva ose oupenyu hwangu, 
uye ndichagara mumba maJehovha 
nokusingaperi.