Pisarema 24
Pisarema raDhavhidhi. 
 1 Nyika ndeyaJehovha, nezvose zviri mairi, 
nyika, navose vanogaramo; 
 2 nokuti akaiteya pamusoro pamakungwa 
uye akaisimbisa pamusoro pemvura zhinji. 
 3 Ndianiko angakwira pachikomo chaJehovha? 
Ndianiko angamira panzvimbo yake tsvene? 
 4 Uyo ana maoko akachena nomwoyo wakanaka, 
asingasimudziri mwoyo wake kuzvifananidzo, 
kana kupika nhema. 
 5 Iye achagamuchira makomborero anobva kuna Jehovha 
nokururamiswa kunobva kuna Mwari woruponeso rwake. 
 6 Ivava ndivo rudzi rwaavo vanomutsvaka, 
ivo vanotsvaka chiso chenyu, imi Mwari waJakobho. 
Sera 
  7 Simudzai misoro yenyu, imi masuo; 
muisimudze, imi makonhi akare, 
kuti Mambo wokubwinya apinde. 
 8 Ndianiko uyu Mambo wokubwinya? 
Ndiye Jehovha ane simba noumhare, 
Jehovha ane simba pakurwa. 
 9 Simudzai misoro yenyu, imi masuo; 
muasimudze, imi makonhi akare, 
kuti Mambo wokubwinya apinde. 
 10 Ndianiko, uyu Mambo wokubwinya? 
Jehovha Wamasimba Ose, 
ndiye Mambo wokubwinya. 
Sera