AMOSI  
 1
 1 Mashoko aAmosi mumwe wavafudzi veTekoa, zvaakaona pamusoro peIsraeri makore maviri kudengenyeka kwenyika kusati kwaitika, Uzia paakanga ari mambo weJudha uye Jerobhoamu mwanakomana waJoashi ari mambo weIsraeri. 
 2 Akati: 
“Jehovha anoomba ari paZioni 
uye anotinhira ari paJerusarema; 
mafuro avafudzi anooma, 
pamusoro peKarimeri panosvava.” 
Vavakidzani veIsraeri vanotongwa 
 3 Zvanzi naJehovha: 
“Nemhaka yezvivi zvitatu zveDhamasiko, 
kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu. 
Nokuti vakapura Gireadhi 
nemipuro ina meno amatare, 
 4 ndichatumira moto paimba yaHazaeri 
uchaparadza nhare dzaBheni Hadhadhi. 
 5 Ndichavhuna suo reDhamasiko; 
ndichaparadza mambo agere mumupata weAvheni 
uye nouyo akabata tsvimbo youshe muBheti Edheni. 
Vanhu veAramu vachaenda muutapwa kuKiri,” 
ndizvo zvinotaura Jehovha. 
 6 Zvanzi naJehovha: 
“Nemhaka yezvivi zvitatu zveGaza, 
kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu. 
Nokuti vakatapa rudzi rwose 
uye vakavatengesa kuEdhomu, 
 7 ndichatuma moto pamusoro pamasvingo eGaza 
uchaparadza nhare dzake. 
 8 Ndichaparadza mambo weAshidhodhi 
uye nouyo akabata tsvimbo youshe muAshikeroni. 
Ndichatambanudzira ruoko rwangu kuti ndirwise Ekironi 
kusvikira vaFiristia vose vapera kufa,” 
ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. 
 9 Zvanzi naJehovha: 
“Nemhaka yezvivi zvitatu zveTire, 
kunyange zvina handingadzori hasha dzangu. 
Nokuti akatengesera Edhomu rudzi rwose savatapwa, 
akasacherechedza sungano youkama, 
 10 ndichatuma moto pamasvingo eTire, 
uchaparadza nhare dzake.” 
 11 Zvanzi naJehovha: 
“Nemhaka yezvivi zvitatu zvaEdhomu, 
kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu. 
Nokuti akadzinganisa mununʼuna wake nomunondo, 
akaramba kumunzwira tsitsi, 
nokuti kutsamwa kwake kwakaramba kwakangodaro, 
uye hasha dzake dzakapfuta, hadzina akadzimisa, 
 12 ndichatuma moto pamusoro peTemani 
uchaparadza nhare dzeBhozira.” 
 13 Zvanzi naJehovha: “Nemhaka yezvivi zvitatu zvaAmoni, 
kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu. 
Nokuti akatumbura vakadzi vane mimba veGireadhi, 
kuti awedzere miganhu yake, 
 14 ndichatungidza moto pamasvingo eRabha 
uchaparadza nhare dzaro, 
pakati pemheremhere yehondo pazuva rokurwa, 
pakati pemhepo huru nezuva redutu. 
 15 Mambo wake achaenda kuutapwa, 
iye namakurukota ake pamwe chete,” 
ndizvo zvinotaura Jehovha.