2
 1 Zvanzi naJehovha: 
“Nemhaka yezvivi zvitatu zvaMoabhu, 
kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu. 
Nokuti akapisa, kuita madota, 
mapfupa amambo weEdhomu. 
 2 Ndichatuma moto pamusoro paMoabhu 
uchaparadza nhare dzeKerioti. 
Moabhu achawira pasi mubope guru 
pakati pemheremhere yehondo, nokurira kwehwamanda. 
 3 Ndichaparadza mutongi wake 
uye ndichauraya makurukota ake pamwe chete naye,” 
ndizvo zvinotaura Jehovha. 
 4 Zvanzi naJehovha: 
“Nemhaka yezvivi zvitatu zvaJudha, 
kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu. 
Nokuti vakaramba murayiro waJehovha 
uye havana kuchengeta mitemo yake, 
nokuti vakatsauswa mukurasika navamwari venhema, 
vamwari vakateverwa namadzitateguru avo, 
 5 ndichatuma moto pamusoro peJudha, 
uchaparadza nhare dzeJerusarema.” 
Israeri inotongwa 
 6 Zvanzi naJehovha: 
“Nemhaka yezvivi zvitatu zvaIsraeri, 
kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu. 
Vanotengesa vakarurama kuti vawane sirivha, 
navanoshayiwa kuti vawane shangu. 
 7 Vanotsika-tsika pamisoro yavarombo 
savanotsika paguruva, 
uye vanoshayisa vakadzvinyirirwa kururamisirwa. 
Baba nomwanakomana vanorara nomusikana mumwe chete, 
nokudaro vanosvibisa zita rangu dzvene. 
 8 Vanovata pasi parutivi pearitari 
imwe neimwe panguo dzakatorwa norubatso. 
Mumba yamwari wavo 
vanonwa waini yakatorwa somuripo. 
 9 “Ndakaparadza Amori pamberi pavo, 
kunyange akanga akareba somusidhari 
uye akasimba somuouki. 
Ndakaparadza zvibereko zvake 
kumusoro nemidzi yake pasi. 
 10 “Ndakakubudisa kubva muIjipiti, 
ndikakutungamirira kwamakore makumi mana murenje, 
kuti ndikupe nyika yavaAmori. 
 11 Ndakamutsawo vaprofita kubva pakati pavanakomana venyu, 
navaNaziri kubva pakati pamajaya enyu. 
Ichi hachisi chokwadi here, nhai vanhu veIsraeri?” 
ndizvo zvinotaura Jehovha. 
 12 “Asi makaita kuti vaNaziri vanwe waini 
uye mukarayira vaprofita kuti varege kuprofita. 
 13 “Zvino ipapo ndichakupwanyai 
sokupwanya kunoita ngoro izere nezviyo. 
 14 Vanomhanya kwazvo havangapunyuki, 
vakasimba havangazovi nesimba ravo, 
uye murwi haangazoponesi upenyu hwake. 
 15 Anopfura nemiseve haangazoramba amire, 
murwi anogona kumhanya haangapunyuki, 
uye mutasvi webhiza haangazoponesi upenyu hwake. 
 16 Kunyange mhare dzakashinga 
dzichatiza dzisina nguo pazuva iro,” 
ndizvo zvinotaura Jehovha.