3
Zvapupu zvinodaidzwa kuti zvizopomera Israeri mhosva 
 1 Inzwai shoko iri rakataurwa naJehovha pamusoro penyu, imi vanhu veIsraeri, pamusoro pemhuri yose yandakabudisa kubva muIjipiti: 
 2 “Ndimi moga vandakasarudza 
pamhuri dzose dzapanyika; 
naizvozvo ndichakurangai 
nokuda kwezvivi zvenyu zvose.” 
 3 Ko, vaviri vangafamba pamwe chete 
vasina kunge vatenderana here? 
 4 Ko, shumba ingaomba mudondo 
isina chayaruma here? 
Ko, ingarira mubako rayo isina chayabata here? 
 5 Ko, shiri ingawira pasi mumusungo 
pasina kuteyiwa rugombe here? 
Ko, musungo ungaurukira kumusoro 
pasina chawabata here? 
 6 Hwamanda ingarira muguta, 
vanhu vakasatya here? 
Njodzi painowira guta, 
ko, haazi Jehovha anenge azviita here? 
 7 Zvirokwazvo, Ishe Jehovha haaiti chinhu 
asina kuzivisa varanda vake, 
vaprofita, zvakavanzika zvake. 
 8 Shumba yaomba, 
ndiani angarega kutya? 
Ishe Jehovha ataura, 
ndiani angarega kuprofita? 
 9 Paridzirai nhare dzeAshidhodhi 
nenhare dzeIjipiti muchiti: 
“Unganai pamakomo eSamaria; 
onai kusagadzikana kukuru kuri mukati maro, 
noudzvinyiriri huri pakati pavanhu varo.” 
 10 “Havazivi kuita zvakarurama,” ndizvo zvinotaura Jehovha, 
“ivo vanounganidza zvakapambwa nezvakabiwa munhare dzaro.” 
 11 Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, 
“Muvengi achatora nyika; achawisira pasi nzvimbo dzako 
uye achapamba nhare dzako.” 
 12 Zvanzi naJehovha: 
“Mufudzi sezvaanobvuta pamuromo 
weshumba mapfupa maviri amakumbo chete kana chipandi chenzeve, 
vaIsraeri vachaponeswa saizvozvowo, 
avo vanogara muSamaria 
pamicheto yemibhedha yavo, 
nomuDhamasiko pazvigaro zvavo.” 
 13 “Inzwai izvi, mugopupura pamusoro peimba yaJakobho,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, Mwari Wamasimba Ose. 
 14 “Pazuva randicharanga Israeri nokuda kwezvivi zvayo, 
ndichaparadza aritari dzeBheteri; 
nyanga dzearitari dzichaparadzwa 
uye dzichawira pasi. 
 15 Ndichaparadza imba yenguva yechando, 
pamwe chete neimba yenguva yechirimo; 
dzimba dzakashongedzwa nenyanga dzenzou dzichaparadzwa 
uye dzimba huru dzichaparadzwa,” 
ndizvo zvinotaura Jehovha.