3
 1 Ndini munhu akaona kutambudzika 
neshamhu yehasha dzake. 
 2 Akandidzingira kure akaita kuti ndifambe 
murima panzvimbo yomuchiedza; 
 3 zvirokwazvo, akashandura ruoko rwake kuti rundirwise 
nguva nenguva, zuva rose. 
 4 Akasakadza ganda rangu nenyama yangu 
uye akavhuna mapfupa angu. 
 5 Akandikomba akandipoteredza 
neshungu nokurwadziswa. 
 6 Akandigarisa murima 
savanhu vakafa kare kare. 
 7 Akandipfigira kuti ndisapunyuka, 
akandiremedza nengetani. 
 8 Kunyange ndikadana kana kuridza mhere kuti ndibatsirwe, 
anopfigira munyengetero wangu kunze. 
 9 Akadzivira nzira yangu namatombo; 
akaminamisa nzira dzangu. 
 10 Sebere rakavandira, 
seshumba yakavanda, 
 11 akandikwekweredza kubva munzira uye akandibvarura-bvarura 
akandisiya ndisina mubatsiri. 
 12 Akawembura uta hwake 
akandiita chinhu chinonangwa nemiseve yake. 
 13 Akabaya mwoyo wangu 
nemiseve yaibva mugoba rake. 
 14 Ndakava chiseko chavanhu vangu vose; 
vakandihomera nenziyo pazuva rose. 
 15 Akandigutsa nemiriwo inovava, 
uye akandinwisa nduru. 
 16 Akagura mazino angu nerukangarabwe; 
akanditsokodzera muguruva. 
 17 Ndakatorerwa rugare; 
ndakakanganwa kuti kubudirira chii. 
 18 Naizvozvo ndinoti, “Kubwinya kwangu kwaenda, 
uye nezvose zvandanga ndakatarisira kuna Jehovha.” 
 19 Ndinorangarira kutambudzika kwangu nokudzungaira kwangu, 
kurwadziwa uye nenduru. 
 20 Ndinozvirangarira kwazvo, 
uye mweya wangu wasuruvara mukati mangu. 
 21 Asi izvi ndinozvirangarira mupfungwa 
uye naizvozvo ndine tariro: 
 22 Nokuda kwerudo rukuru rwaJehovha, hatina kuparadzwa, 
nokuti tsitsi dzake hadzitongoperi. 
 23 Itsva mangwanani oga oga, 
kutendeka kwenyu kukuru. 
 24 Ndinoti kumwoyo wangu, “Jehovha ndiye mugove wangu; 
naizvozvo ndichamumirira.” 
 25 Jehovha akanaka kuna avo vanovimba naye, 
kumunhu anomutsvaka; 
 26 chinhu chakanaka kumirira 
ruponeso rwaJehovha unyerere. 
 27 Chinhu chakanaka kuti munhu atakure joko 
achiri mudiki. 
 28 Ngaagare ari oga anyerere, 
nokuti Jehovha ndiye akariturika paari. 
 29 Ngaavige chiso chake muguruva, 
zvimwe tariro ichiripo. 
 30 Ngaape dama rake kumunhu anomurova, 
uye ngaazadzwe nenyadzi. 
 31 Nokuti vanhu havangaraswi 
naIshe nokusingaperi. 
 32 Kunyange achiuyisa kusuwa, achanzwira hake tsitsi, 
rukuru sei rudo rwake rusingaperi. 
 33 Nokuti haafariri kuuyisa kurwadziwa 
kana kusuwa kuvana vavanhu. 
 34 Kutsikira pasi petsoka 
vasungwa vose venyika, 
 35 kurambira munhu kodzero yake 
pamberi peWokumusoro-soro, 
 36 kutadzisa munhu kuwana kururamisirwa kwake 
ko, Ishe haangaoni zvinhu zvakadai here? 
 37 Ndiani angataura akaita kuti zviitike 
kana Ishe asina kuzvirayira? 
 38 Ko, hazvibvi mumuromo weWokumusoro-soro here 
zvose zvakaipa nezvinhu zvakanaka zvinouya? 
 39 Ko, munhu mupenyu anonyunyutirei 
kana arangwa nokuda kwezvivi zvake? 
 40 Ngatinzverei nzira dzedu uye ngatidziedzei, 
uyewo ngatidzokerei kuna Jehovha. 
 41 Ngatisimudzei mwoyo yedu namaoko edu 
kuna Mwari ari kudenga, tigoti: 
 42 “Takatadza uye takakumukirai 
uye imi hamuna kukanganwira. 
 43 “Makazvifukidza nokutsamwa mukatidzingirira; 
makauraya musinganzwiri ngoni. 
 44 Makazvifukidza negore 
kuti kurege kuva nomunyengetero ungasvikako. 
 45 Makatiita marara netsvina 
pakati pendudzi. 
 46 “Vavengi vedu vose vakashama miromo yavo 
kwazvo kuti vatituke. 
 47 Takawirwa nokutya uye takateyiwa nehunza, 
kuparara nokuparadzwa kukuru.” 
 48 Hova dzemisodzi dzinoyerera kubva mumaziso angu, 
nokuti vanhu vangu vaparadzwa. 
 49 Meso angu acharamba achiyerera misodzi, 
pasina zvinoyamura, 
 50 kusvikira Jehovha aringira pasi 
kubva kudenga akaona. 
 51 Zvandinoona zvinochemedza mweya wangu, 
nokuda kwavakadzi vose veguta rangu. 
 52 Avo vakanga vari vavengi vangu ini pasina chikonzero 
vakandivhima seshiri. 
 53 Vakaedza kundiuraya mugomba 
uye vakapotsera matombo kwandiri; 
 54 mvura zhinji yakafukidza musoro wangu, 
uye ndakafunga kuti ndava pedyo nokufa. 
 55 Ndakadana zita renyu, imi Jehovha, 
ndiri mugomba rakadzika. 
 56 Makanzwa kukumbira kwangu: “Regai kudzivira nzeve dzenyu 
pandinochemera rubatsiro.” 
 57 Makaswedera pedyo pandakakudanai, 
mukati, “Usatya.” 
 58 Haiwa Ishe, makandireverera mhaka yangu; 
makadzikinura upenyu hwangu. 
 59 Makaona imi Jehovha, zvakaipa zvandakaitirwa. 
Nditongerei mhaka yangu! 
 60 Makaona udzamu hwokutsva kwavo, 
idzo rangano dzavo dzose pamusoro pangu. 
 61 Haiwa Jehovha, makanzwa kutuka kwavo, 
idzo rangano dzavo dzose pamusoro pangu, 
 62 dzinozevezerwa nokungurumwa navavengi vangu 
pamusoro pangu zuva rose. 
 63 Tarirai kwavari! Vakagara kana kumira, 
vanondituka nenziyo dzavo. 
 64 Varipidzirei zvakavafanira, imi Jehovha, 
zvakaitwa namaoko avo. 
 65 Isai chidziro pamwoyo yavo, 
uye kutuka kwenyu ngakuve pamusoro pavo! 
 66 Vadzinganisei makatsamwa muvaparadze, 
vabve pasi pamatenga aJehovha.