4
 1 Haiwa, goridhe rasviba sei, 
goridhe rakaisvonaka harichabwinyi sei! 
Matombo matsvene aparadzirwa 
kumusoro kwenzira imwe neimwe. 
 2 Haiwa vanakomana vanokosha veZioni, 
kare vaimbokodzera chiero chavo chegoridhe, 
zvino voonekwa sehari dzevhu, 
iro basa ramaoko omuumbi wehari! 
 3 Kunyange makava anopa mazamu awo 
kuti anwise vana vawo, 
asi vanhu vangu vava vasina hanya 
seshiri dzemhou dziri mugwenga. 
 4 Nokuda kwenyota rurimi rwomwana mucheche 
runonamira mumukanwa make; 
vana vanopemha chingwa, 
asi hakuna anovapa. 
 5 Avo vaisidya zvinonaka 
vava vapemhi mumugwagwa. 
Avo vakarerwa vachifuka nguo dzepepuru 
zvino vava kuvata pamadurunhuru edota. 
 6 Kurangwa kwavanhu vangu 
kukuru kupinda kweSodhomu, 
rakaparadzwa pakarepo 
pasina ruoko rwakadzoka kuzoribatsira. 
 7 Machinda avo aipenya kupfuura chando, 
uye akanga akachena kupfuura mukaka, 
miviri yavo yakanga yakatsvuka kupfuura matombo anokosha amarubhi, 
kuratidzika kwavo kwakaita sokwesafiri. 
 8 Asi zvino vasviba kupfuura chinʼai; 
hapana angavaziva mumigwagwa. 
Ganda ravo ranamira pamapfupa avo; 
raoma zvokufanana nedanda. 
 9 Avo vakaurayiwa nomunondo vari nani 
pane avo vanourayiwa nenzara; 
vabayiwa nenzara, vaonda kwazvo 
nokuda kwokushayiwa zvokudya zvinobva muminda. 
 10 Namaoko avo vakadzi vaiva nomwoyo munyoro 
vakabika vana vavo, 
vakava zvokudya zvavo, 
pakaparadzwa vanhu vangu. 
 11 Jehovha akaratidza kutsamwa kwake kwose; 
akadurura hasha dzake dzinotyisa. 
Akabatidza moto paZioni 
akapisa nheyo dzaro. 
 12 Madzimambo enyika haana kutenda, 
kunyange navanhu vose vagere panyika, 
kuti vavengi vangapinda 
pamasuo eJerusarema. 
 13 Zvakaitika nokuda kwezvivi zvavaprofita varo 
uye nokuda kwezvakaipa zvavaprista varo, 
vakateura ropa 
ravakarurama mukati maro. 
 14 Vanodzungaira munzira dzaro 
savarume mapofu. 
Vakasvibiswa neropa 
zvokuti hapana angada kubata nguo dzavo. 
 15 Vanhu vanodanidzira kwavari vachiti, “Ibvai! Hamuna kuchena! 
Ibvai! Ibvai! Musatibata!” 
Panguva yokutiza nokudzungaira kwavo, 
vanhu pakati pendudzi vanoti, 
“Havangarambi vachigara pano.” 
 16 Kutsamwa kwaJehovha kwavaparadzira; 
haachavachengetedza. 
Havana kukudza uprista, 
uye havana kuremekedza vakuru. 
 17 Meso edu oonera madzerere, 
tichitarisira rubatsiro rusingauyi; 
tiri pashongwe dzedu takatarisira 
rudzi rwaizotiponesa. 
 18 Vanhu vakatitevera kwose kwatakaenda, 
zvokuti takatadza kufamba munzira dzedu chaidzo. 
Magumo edu akanga ava pedyo, mazuva edu apera, 
nokuti magumo akanga asvika. 
 19 Vaitidzinganisa vaimhanya kupfuura 
makondo okudenga; 
vakatidzinganisa napamusoro pamakomo 
uye vakatigaririra murenje. 
 20 Muzodziwa waJehovha, iye mweya wedu wokufema chaiwo, 
akanga abatwa mumisungo yavo. 
Takafunga kuti mumumvuri wake 
taizorarama pakati pendudzi. 
 21 Pembera ufare, iwe Mwanasikana weEdhomu, 
iwe unogara munyika yeUzi. 
Asi newewo uchapiwa mukombe uyu; 
uchadhakwa uye uchazvibvisa nguo. 
 22 Iwe, Mwanasikana weZioni, kurangwa kwako kuchaguma; 
haangawedzeri mazuva ako outapwa. 
Asi, iwe Mwanasikana weEdhomu, acharanga chivi chako 
agoratidza kuipa kwako.