9
Kutongwa kwaVavengi veIsraeri 
Chirevo 
 1 Shoko raJehovha rinorwisana nenyika yeHadhiraki 
uye richagara pamusoro peDhamasiko, 
nokuti meso avanhu naamarudzi ose 
eIsraeri ari pana Jehovha, 
 2 uye napamusoro peHamatiwo, rakaganhurana naro, 
uye napamusoro peTire neSidhoni, kunyange zvazvo vane unyanzvi kwazvo. 
 3 Tire yakazvivakira nhare; 
yakaunganidza sirivha seguruva 
uye goridhe samarara omumugwagwa. 
 4 Asi Ishe achatora upfumi hwayo 
uye achaparadzira simba rayo pagungwa, 
uye ichaparadzwa nomoto. 
 5 Ashikeroni richazviona, rigotya; 
Gaza richatambura mukurwadziwa, 
neEkironiwo, nokuti tariro yaro ichapera. 
Gaza richarasikirwa namambo waro 
uye Ashikeroni haringavi navanhu. 
 6 Vatorwa vachagara paAshidhodhi, 
uye ndichaparadza kuzvikudza kwavaFiristia. 
 7 Ndichabvisa ropa pamiromo yavo, 
kudya kusingabvumirwi pakati pamazino avo. 
Vaya vakasara vachava vanhu vaMwari wedu 
uye vachava vatungamiri muJudha, 
uye Ekironi achava savaJebhusi. 
 8 Asi ndichadzivirira imba yangu 
pavarwi vanoirwisa. 
Hapachazovazve nomumanikidzi angakunda vanhu vangu, 
nokuti zvino ndiri kugara ndakatarira. 
Kuuya kwaMambo weZioni 
 9 Fara kwazvo, iwe Mwanasikana weZioni! 
Danidzira, Mwanasikana weJerusarema! 
Tarira, mambo wako anouya kwauri, 
iye akarurama uye ano ruponeso, 
anozvininipisa akatasva mbongoro, 
iyo mhuru, mwana wembongoro. 
 10 Ndichabvisa ngoro kuna Efuremu, 
namabhiza ehondo kuJerusarema, 
uye uta hwehondo huchavhunwa. 
Achaparidzira ndudzi rugare. 
Ushe hwake huchabva kugungwa huchisvika kugungwa, 
uye kubva kuRwizi kusvika kumigumo yenyika. 
 11 Kana uriwe, nokuda kweropa resungano yangu newe, 
ndichasunungura vasungwa vako kubva pagomba risina mvura. 
 12 Dzokerai kunhare yenyu, imi vasungwa vetariro; 
kunyange iye zvino ndichazivisa kuti ndichadzorera kwamuri zvakapetwa kaviri. 
 13 Ndichakunga Judha sendinokunga uta hwangu, 
uye ndichaizadza naEfuremu. 
Ndichamutsa vanakomana vako, iwe Zioni, 
kuti varwise vanakomana vako, iwe Girisi; 
uye ndichakuita somunondo wemhare. 
Jehovha achaonekwa 
 14 Ipapo Jehovha achaonekwa pamusoro pavo; 
museve wake uchapenya semheni. 
Ishe Jehovha acharidza hwamanda; 
achafamba mudutu rezasi. 
 15 Uye Jehovha Wamasimba Ose achavadzivirira. 
Vachaparadza 
uye vachakunda nezvimviriri. 
Vachanwa vagoomba sevanwa waini; 
vachazara sembiya dzinoshandiswa 
pakusasa makona earitari. 
 16 Jehovha Mwari wavo achavaponesa 
pazuva iroro seboka ravanhu vake, 
Vachavaima munyika yake 
samabwe anokosha ari mukorona. 
 17 Kuyevedza kwavo nokunaka kwavo kuchava kukuru sei! 
Zviyo zvichaita kuti majaya abudirire, 
uye waini itsva kumhandara.