10
Jehovha achachengeta Judha 
 1 Kumbirai kuna Jehovha mvura yomunakamwe; 
Jehovha ndiye anogadzira makore edutu. 
Anonayisa mvura kuvanhu, 
uye anopa zvirimwa zveminda kuno mumwe nomumwe. 
 2 Zvifananidzo zvinotaura zvounyengeri, 
vavuki vanoona zviratidzo zvenhema; 
vanotaura zviroto zvenhema, 
vanopa varaidzo pasina. 
Nokudaro vanhu vanodzungaira 
samakwai anomanikidzwa nokuda kwokushayiwa mufudzi. 
 3 “Kutsamwa kwangu kunomukira vafudzi, 
uye ndicharova vatungamiri, 
nokuti Jehovha Wamasimba Ose achava nehanya 
namakwai ake, imba yaJudha, 
uye achavaita sebhiza rinodadisa pakurwa. 
 4 Muna Judha muchabva ibwe rapakona, 
kubva maari mbambo yetende, 
kubva maari uta hwehondo, 
kubva maari vatungamiri vose. 
 5 Pamwe chete vachava savarume voumhare 
vanotsika migwagwa ina matope pakurwa. 
Nokuti Jehovha anavo, 
vacharwa vachakunda vatasvi vamabhiza. 
 6 “Ndichasimbisa imba yaJudha 
uye ndichaponesa imba yaJosefa. 
Ndichavadzosa 
nokuti ndinovanzwira tsitsi. 
Vachava savanhu 
vandakanga ndisina kuramba, 
nokuti ndini Jehovha Mwari wavo 
uye ndichavapindura. 
 7 VaEfuremu vachava semhare, 
uye mwoyo yavo ichafara sevakabatwa newaini. 
Vana vavo vachazviona uye vachapembera; 
Mwoyo yavo ichafara muna Jehovha. 
 8 Ndichaninira kwavari 
ndigovaunganidza. 
Zvirokwazvo ndichavadzikinura, 
vachava vakawanda sakare. 
 9 Kunyange ndikavaparadzira pakati pamarudzi, 
kunyange zvakadaro vachandirangarira vari kunyika dziri kure. 
Ivo navana vavo vachararama, 
uye vachadzoka. 
 10 Ndichavauyisa kubva kuIjipiti 
uye ndichavaunganidza kubva kuAsiria. 
Ndichavauyisa kuGireadhi nokuRebhanoni, 
uye hakungazovi nenzvimbo yavanokwana. 
 11 Vachapfuura napagungwa rokutambudzika; 
mafungu egungwa achaderedzwa 
uye pakadzika pose muna Nairi pachapwa. 
Kuzvikudza kweAsiria kuchaparadzwa 
uye tsvimbo youshe yeIjipiti ichabviswa. 
 12 Ndichavasimbisa muna Jehovha 
uye muzita rake vachafamba,” 
ndizvo zvinotaura Jehovha.