2
 1 Unganai pamwe chete, unganai pamwe chete, 
imi rudzi runonyadzisa, 
 2 nguva dzakatarwa dzisati dzasvika 
uye zuva iroro risati rapfuura sehundi, 
kutsamwa kukuru kwaJehovha kusati kwauya pamusoro penyu, 
zuva rehasha dzaJehovha risati rauya pamusoro penyu. 
 3 Tsvakai Jehovha, imi mose vanyoro vapanyika, 
imi mose munoita zvaakarayira. 
Tsvakai kururama, tsvakai unyoro; 
zvimwe mungadzivirirwa 
pazuva rokutsamwa kwaJehovha. 
Kurwiswa kweFiristia 
 4 Gaza richasiyiwa 
uye Ashikeroni richasiyiwa rava dongo. 
Pamasikati makuru Ashidhodhi richasiyiwa risisina chinhu 
uye Ekironi radzurwa. 
 5 Mune nhamo imi munogara pedyo negungwa, 
imi vanhu veKereti; 
shoko raJehovha rinokurwisa, 
iwe Kenani nyika yavaFiristia. 
“Ndichakuparadza, 
uye hapana achasara.” 
 6 Nyika iri pedyo negungwa, panogara vaKereti, 
ichava nzvimbo yavafudzi namatanga ehwai. 
 7 Ichava yavakasara veimba yavaJudha; 
vachawana mafuro ikoko. 
Mumadekwana vachavata pasi 
mudzimba dzaAshikeroni. 
Jehovha Mwari wavo achavachengeta; 
Achavadzorera pfuma yavo. 
Kurwiswa kweMoabhu neAmoni 
 8 “Ndakanzwa kutuka kwaMoabhu 
nokuzvidza kwavaAmoni, 
avo vakatuka vanhu vangu 
uye vakatyisidzira nyika yavo. 
 9 Naizvozvo, zvirokwazvo noupenyu hwangu,” 
ndizvo zvinotaura Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, 
“zvirokwazvo Moabhu achaita seSodhomu, 
vaAmoni seGomora, 
nzvimbo yesora namakomba emunyu, 
matongo nokusingaperi. 
Vakasara vavanhu vangu vachavapamba; 
vachararama vorudzi rwangu vachagara nhaka yenyika yavo.” 
 10 Izvi ndizvo zvavachawana nokuda kwokuzvikudza kwavo, 
nokuti vakatuka uye vakadadira vanhu vaJehovha Wamasimba Ose. 
 11 Jehovha achava anotyisa kwavari 
paachaparadza vamwari vose venyika. 
Ndudzi pamahombekombe ose dzichamunamata, 
rudzi rumwe norumwe munyika yarwo. 
Kurwiswa kweEtiopia 
 12 “Nemiwo, imi vaEtiopia, 
muchaparadzwa nomunondo wangu.” 
Kurwiswa kweAsiria 
 13 Achatambanudza ruoko rwake kuti arwise nyika 
yokumusoro agoparadza Asiria, 
achasiya Ninevhe rava dongo zvachose 
uye raoma segwenga. 
 14 Mapoka amakwai nemombe zvichavata pasi imomo, 
nezvipuka zvamarudzi ose. 
Zizi romurenje nezizi romurwizi 
zvichavata pamusoro pembiru dzavo. 
Kudana kwazvo kuchaungira nomumawindo, 
marara achava pamisuo yavo, 
mapango omusidhari achasiyiwa pachena. 
 15 Iri ndiro guta risina hanya 
raigara vakachengetedzeka. 
Rakati mumwoyo maro, 
“Ndini, uye hakuna mumwe kunze kwangu.” 
Razova dongo rakadii, 
nzvimbo inovata mhuka dzesango! 
Vose vanopfuura napariri vanoseka 
Uye vanokunga zvibhakera zvavo.