3
Ramangwana reJerusarema 
 1 Rine nhamo guta ravamanikidzi, 
rakapanduka uye rikasvibiswa! 
 2 Harina warinoteerera, 
harigamuchiri kudzorwa. 
Harivimbi naJehovha, 
hariswederi pedyo naMwari waro. 
 3 Machinda aro ishumba dzinoomba, 
vatongi varo mapere amadekwana, 
vasingasiyi chinhu chamangwanani. 
 4 Vaprofita vavo vanozvikudza; 
vanhu vanonyengera. 
Vaprista varo vanozvidza nzvimbo tsvene 
uye vanoputsa murayiro. 
 5 Jehovha ari mariri mutsvene; 
haaiti zvakaipa. 
Mangwanani oga oga anotonga nokururamisira kwake, 
zuva rimwe nerimwe idzva anoriuyisa, 
asi vasakarurama havanyari. 
 6 “Ndakaparadza ndudzi; 
shongwe dzavo dzakaparara. 
Ndakasiya nzira dzavo dzisisafambwi, 
hapasisina anopfuura nomo. 
Maguta avo akaparadzwa; 
hapana achasiyiwa, kana mumwe zvake. 
 7 Ndakati kuguta, 
‘Zvirokwazvo uchanditya 
ugogamuchira kudzorwa!’ 
Ipapo vagari varo havangaparadzwi, 
kana kuranga kwangu kwose hakungauyi pariri. 
Asi vakanga vachine shungu 
dzokuita uori pakuita kwavo kwose. 
 8 Naizvozvo ndimirirei,” ndizvo zvinotaura Jehovha, 
“zuva randichasimuka kuti ndigopupura. 
Ndafunga kuunganidza ndudzi, 
kuunganidza ushe hwose 
uye nokudurura hasha dzangu pavari, 
kutsamwa kukuru kwangu kwose. 
Nyika yose ichaparadzwa 
nomoto wegodo rokutsamwa kwangu. 
 9 “Ipapo ndichachenesa miromo yavanhu, 
kuti vose zvavo vadane kuzita raJehovha 
uye vamushumire nomwoyo mumwe. 
 10 Kubva mhiri kwenzizi dzeEtiopia vanamati vangu, 
vanhu vangu vakapararira, 
vachandiunzira zvipiriso. 
 11 Pazuva iro hamungaiswi pakunyadziswa 
nokuda kwezvakaipa zvamakandiitira, 
nokuti ndichabvisa kubva 
muguta rino vaya vanofara mukuzvikudza kwavo. 
Hamungazovizve namanyawi 
pagomo rangu dzvene. 
 12 Asi ndichasiya pakati penyu 
vanyoro vanozvininipisa, 
vanovimba nezita raJehovha. 
 13 Vakasara vaIsraeri havangaiti zvakaipa; 
havangarevi nhema, 
uye kunyengera hakuzowanikwi mumiromo yavo. 
Vachadya uye vagorara pasi, 
uye hapana angavatyisa.” 
 14 Imba, iwe Mwanasikana weZioni, 
danidzira, iwe Israeri! 
Fara ugofarisisa nomwoyo wako wose, 
iwe Mwanasikana weJerusarema! 
 15 Jehovha abvisa kurangwa kwako kwose, 
adzinga muvengi wako. Jehovha, 
Mambo waIsraeri, anewe; 
hauzotyizve kuti ungakuvadzwa nechinhu chipi zvacho. 
 16 Pazuva iro vachati kuJerusarema, 
“Usatya, iwe Zioni; 
usarega maoko ako achishayiwa simba. 
 17 Jehovha Mwari wako anewe, 
ndiye ane simba rokuponesa. 
Achafadzwa zvikuru newe, 
achakunyaradza norudo rwake, 
achafara nokuda kwako nokuimba.” 
 18 “Matambudziko emitambo 
yakatarwa ndichaabvisa kwauri; 
iwo mutoro nokuzvidzwa kwauri. 
 19 Panguva iyoyo ndichatonga 
vose vakakumanikidza; 
ndichanunura vakaremara 
uye ndichaunganidza vaya vakaparadzirwa. 
Ndichavapa rumbidzo norukudzo 
munyika dzose dzavakaiswa pakunyadziswa. 
 20 Panguva iyoyo ndichakuunganidzai; 
panguva iyoyo ndichakuuyisai kumusha. 
Ndichakupai rukudzo nerumbidzo 
pakati pavanhu vose vapanyika, 
pandichadzora pfuma yenyu 
muchizviona nameso enyu,” 
ndizvo zvinotaura Jehovha.